Inzwai mhinduro dzemwana wemuHedheni paRoad Show. Jona pindura mibvunzo gumi (10) inotevera ugozviwanira shool fees voucher pachena.
1. Jona, tiudze ndiani muBhaibheri anonzi simba rake raibva mubvudzi?
Jona: "ndiBob Marley".
2. Tiudze muchato mukuru mushoko dzvene ramwari wakaitirwa munzvimbo yainzi chii?
Jona: "Harare Gardens".
3. Vana veIsrael vakayambuka rwizi rwunonzi chii uye vachiende kunyika ipi?
Jona : "Rwizi Limpopo vakanange Joni"
4. Mambo Pharoh vaigara kupi?
Jona: "KuState House"
5. Mambo Jesu vakarova vanhu vaitengesa nekutamba njuga munzvimbo ipi?
Jona: "Coppa Cabanna"
6. Nhai Jona ndiani anonzi akaendeswa kuhere aramba kunyenga mukadzi waPotifa?
Jona: "ndiGumbura asi haana kuramba kunyenga, ndiye akatorambwa"
7: Sei Zimbabwe senyika ichinzi iChristian Country?
Jona: "Nenhau yekutora minda"
8. Zvakaporofitwa nani uye kupi kuti tenzi wedu vachazo batwa vagoshungurudzwa vozorowerwa pamuchinjikwa?
Jona: "NdivaMakandiwa paJudgement Night 2"
9: Zadzisa chirevo ichi: Enda kumujuru iwe simbe ugo.........
Jona: "Ugorumwa zvekuti ukaone pane churu unosvipe mate"
10. Ndiani waungati ndiye muporofita mukuru mubhaibheri uye nemhaka yei?
Jona "Magaya muhombe bcoz ave kuto sponsor nebhora".