Mother: Nhai Joe mwanangu wave nemakore mangani?
Son: Ndaane 35 amai.
Mother : Saka kureva kuti hausati wave
nemskana waunoda kuroora here?
Son : Kwete amai ndinaye.
Mother : Kozvino chakumisa chiiko nhai
mwanangu iyezvino kubasa waporomotwa
tarisa makurire ezimba rino rawa kapiwa raunongogara wega. !
Son : Ndicharoora amai kana nguva yakwana.
Mother : Ndiri amai vako Joe nditaurire
chokwadi kana pane zvinonetsa tione zvekuita ?
Son : Chete amai musikana wangu ndomuda kuti ndiputse chitsidzo naye chekupinda
musvitsa tave ne15 yrs tichidanana hazviite.
Mother : Ah 15yrs saka arikuenda kuchikoro here?
Son : Kwete aakutosevenza asi kuti kubva ndichimu pfimba akati haadi kuroorwa
nemukomana ana amai vapenyu.