Find by tag

Ndomapenzi chaiwo aya

Rimwe benzi rakasangana nerimwe benzi rakanga rakabata chirauro, ndokubva raribvunza kuti "nhai kasi urikuenda kunoraura?". Zvikanzi aiwa ndirikuenda kunoraura. Rakanga rabvunza ndokubva rati "hooo ndangandafunga kuti uri kuenda kuno raura"

Lotto yabatwa nezvimwe

Two boys bought a state lottery (lotto) ticket vari vese ndobva vawinna  $25000 then they were told kuti they had to share 50-50 zvikanzi:

 "A! Kusheya? Kana zvirizvo chitidzorerai mari yedu"

Sei usiri kudya?

Mapenzi akapiwa ndiro dzechikafu dzisina chinhu zvikanzi idyai vachida kuona kuti hapana rava nani, mapenzi aya ndokutanga kuita seari kudya. Chiremba vakafara vachiona rimwe risingadyi zvikanzi, wakamirirei usingadyi? zvikanzi nebenzi ndakamirira kuti zvipore

musiyano wekupenga nekupusa

Vamwe boss vai mhanyira ku meetting mota, yavo ndokubva ya ponja. Pavakati vaise spare wheel, vabvisa raka ponja riye, mabhaudhi akabva awira muDrain. 

Boss vakabva vagara pasi vakabata shaya vapererwa nemazano kuti zvino voitasei

Pakarepo pakasvika benzi raifamba richinhonga muma bin rakapfeka marengenya akasviba ndokuti kuna Boss vaye :

Benzi: makadii henyu
Boss : mushe ibva pano!
Benzi: ko ndikubatsirei
kusunga vhirika?
Boss: hazviite coz mabhaudhi hapasisina awira mu drain.
Benzi: pamavhiri enyu matatu asara madii kubvisa bhaudhi 1 apa 1 apa 1 mosunga vhiri muone kusvika kwemuri kuenda

Boss vakashamisika ne idea yakadaro ndokuti:
Boss: zvaunenge unopenga wani ko izvi wazvifunga sei.
Benzi: Kupenga neKupusa zvakasiyana vakuru vangu! Ndinopenga but handina kupusa semi