Find by tag

VaMapfumo, System Tazvida munomuona sei?

Mazuva akanetsa mushakabvu System Tazvida, VaMapfumo vakabvunzwa paZBC naEric Knight. "Ko, nhai VaMapfumo, mupfana System anetsa uyu munomuonawo sei?  Mapfumo ndokupindura, "Ho-oo, uyu zviya anotambira team ipi yebhora?"

Chinoz vachitaura nezve mutongo wa Gumbura

Reuben Barwe: Achinotimba munotii nemutongo waGumbura 40 yrs pakubata rape kwaakaita? 
Chinoz: Aaa kana vachiti kubata rape 40 yrs, ko isu tinoirima a bva kufira mujeri. Ini pandakazvinzwa kuti Gumbura apiwa 40 yrs pakubata rape ndakabva ndatoitema,ikozvino ndorima tsunga, covo, muboora nechembere dzagumhana nezvimwe zvakadaro kwete rape ndofira mujere. Kana kubata kuchiita 40 yrs kuzoti kuirima.

Nguva yekutenda pa Radio Zimbabwe

Radio Zimbabwe. Nguva yekutenda. 

D.J - Hello paRadio Zimbabwe.
Caller - Hello. Ndirikuda kutendawo. 
D.J - Taurai henyu nyaya yenyu. 
Caller - Ndawanikidzwa namadam ndiine girlfriend inogara musame line nesu. Vabva vamhanya kumba kwakunoisa 2l yecooking oil pastove. Ndichingopinda padoor vabva vandidira poto yese yemafuta, wanike Handina kutsva. Madam vabva varangarira kuti hakuna magetsi. Saka ndoda kungotendawo VEZESA nebasa ravo guru ravari kuita rekudzima magetsi. Rambai makadaro.

Mai Chisamba - Kujairira basa kwakaoma

Mai Chisamba vachitaura nemurume wavo:

Hubby:  My love, I love you with all my heart!

Mai Chisamba: Eheee ndizvozvo varoverei maoko. Mafungiro avowo!!!

Get nyambo in your inbox!